Nyaya iri pazasi iyi ndeyeyi Mukadzi anotiza murume nemwana. Murume anotsanangura nyaya yese yakaitika verengai muzvinzwire

Hama ndapererwa hazvisi kubvumika ndoti kudii.gore rapera patanga lockdown ndakasangana nevamwe sisi vachichema mutown ndaive ndatumwa nemurungu kunotenga chikafu chembwa,ndakavabvunza zvaive zvaitika vakasvika pakunditaurira kuti vakange vatizwa nemukomana wavo wavakange vabva naye kumusha murank yemabhazi vakangonzi mira pano ndinouya manje manje ndakunotora makey tatosvika tikwire taxi tiende kumba mukomana ndokudzima phone,ndakava nyaradza sisi vaye sezvo ndaimhanyira kubasa ndakazovakumbira kuti tiende kubasa kwangu kunova ndokwandaigara kuti vambozorora vachigeza semunhu akange aneta nekufamba mubhazi rwendo rwurefu,

Ndaigara kukamba kekuseri ndakasvikoisa musikana mumba ndikati chigeza kana wapedza unobika tea zvese zviripo,ndakadzokera kubasa kuzoti ndachaisa ndakaenda kumba ndikasvika musikana akagara tikatanga kupisa nyaya sezvo ndaiva bhachura takakurukura tikawirirana akazondiudza chokwadi kuti aiva nepamuviri paiva ne 2 months,sezvisinei murungu ndakazongomunyepera kuti mukadzi wangu akauya.boss vakati hazvina kuipa ngaawuye ashande kukitchen sezvo maid aivapo aive aenda kuzimbabwe akasadzoka.takachengetana rudo rukapisa semoto,tikawirirana kuzochengeta mwana wedu ndakafunga zvekunobvisa mari ndikatanga kumuchengetesa mari.

Mwana akazozvarwa mwana musikana akakura zvakanaka isu vaviri tisu taiziva kuti mwana aisava wangu.musikana uyu aisava kana nehama muno sezvo aive awunzwa nemurume wekumutiza saka hapana munhu waainge achiziva kusara kwangu,saka nhasi kuseni andikumbira kusara ndakatarisa mwana sezvo ndisiri pabasa mwana ane 7 months, ati arikunotenga chikafu chemumba nekunorukwa musoro,masikati azondiisira message achiti phone yake yakudzima so ndikaona yadzima ndisanetseke,ndaona nguva yafamba ndikazama kuphona nekuti mwana ange akunetsa phone haisi pinda ndangoti pamwe yapera moto ndichamirira kuuya kwavo ndatanga kurezva mwana kusvika kwasviba.murungu azouya anzwa kuchema kwemwana abvunza kuti chiii ndikati Mai vacho vaenda kunorukwa kuseni asi havasati vadzoka ndazozvisimbisa ndichiti pamwe vabatirwa mapepa kana mask.

Mwana azorara so pandati ndifanobike sadza ndopandaona bepa rakapetwa pasi pegaba rehupfu ndazvibvunza kuti raiva rei? ndarivhura ndikaona iritsamba yaive yakanyorwa ne pen ye red yakanzi BABA VAROPA USANDITSVAKE HAKO NDAENDA KU SOUTH AFRICA NDATEVERA MURUME WANGU MWANA UYU HAASI WAKE NDAKANGE NDAMITISWA NEMUMWE MUDHARA KUMUSHA SAKA MIKE ATI KANA UCHIDA TIDZOKERANE HUYA USINA MWANA.MARI YOSE YAWAINDICHENGETESA NDATAKURA KUTI NDIONE YEKUFAMBISA NDAENDA NANAMALAICHA,THANKS FOR YOUR KINDNESS.so hama handizive kana kumusha kwake akangoti anobva kudotito.zita anonzi Maria chitororo,pamwe ndakanyeperwa sezvo aiva asina kana passport zvino mwana ndoita sei naye apa ndiri kutya kuti akamuka noise yacho kuma surbub kuno ndinodaidzirwa mapurisa.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here