
Mazuva apfuura ayo pakafamba shoko richiti mwana wa Paul mwazha anonzi Ngoni Mwazha akati anokwanisa kurapa denda re corona virus. Nyaya iyi yakatenderera kwese kwese kumadivi mana enyika zvikasvika kune vemutemo. Ve punchstar entertainment vanoziviswa nyaya iyi Nemumwe we akange achiteverera nyaya iyi kubva payakatangira kusvika pairi nhasi
Ma meseji aripa musoro ayo ndiwo apihwa vatapi vedu venhau ve punchstar entertainment achibva ku munhu watasarudza kuti tisaise zita rake paruzhinji kuchengetedza chitupa chake.

Bishop Edward Ngoni Mwazha arikunzi akabuda muchurch yababa vake NECHIMWE chikwama chevanhu kusabatanidzira nemuni’ina wake anonzi (Alfred Kushamisa) anova wechitatu pakuzvarwa pavo uyo anonzi akambobuda pachivhiti vhiti mazuva apfuura achiti akasiirwa chechi na baba vake uye nyaya iyi iri kunzi iri kumatare ichiongororwa.
Mushure me kunge shoko rafamba pamasaisai ese zvichinzi Ngoni Mwazha Ave kurapa denda re corona virus nezuro (5 Nyamavhuvhu) vakanyora tsamba vachirambisisa mashoko aya arikutenderera. Verengai tsamba yavakanyora iri pazasi apa
Kubva mutsamba yakanyorwa iyi munyori akamirira Edward Ngoni Mwazha arikuti manyepo aya akafambiswa ne mupurofita Chiwara. Tsamba inorambisisa kuti Bishop Ngoni havanei ne mashoko arikutaura aya zvakare vano kumbira ruregerero kuhurumende uye nevezveutano