Vatapi venhau ve punchstar entertainment vatambira nyaya kubva pa group re WhatsApp richitaura nezve mukadzi ariku shungurudza mwana ku nzvimbo ye Glendale muharare kuma newsstand. Mwana uyu arikunzi akarohwa zveku svika pakuremara dzimwe nhengo dzemuviri wake

Message iri pazasi apa yakasendiwa nevagari vemu Glendale vachitsanangura zvirikuitika

“Makadii hama ne mhuri yese ye Zimbabwe ,,ndine nyaya ikundinetsa nekushungurudza vazhinji munzvimbo ye Glendale kuma new stands kunonzi ku Rujeko panonzi pa Va Matangira pa house number 1329 pane mwana ane makore 7 akashaikirwa na baba vake ,Mai vake vakamusiira vatete vake hanzvadzi yababa vake ,mwana anonzi Shakeman Mugwali vatete vano rova mwana everyday nekunyima chekudya .

Zvaizvezvi mwana akatoremara ruoko nekurohwa ,vanokanda mwana kumadziro kana vachinge vatanga kurova havo ropa rerichiita kuzara madziro ,atokanganisika chero mafungiro munongoziva zvinoitika pa munhu kana akashungurudzwa nguva refu .Vatete vacho vanonzi Maria Mugwali .Ngatiitei moyo une tsitsi nerudo mhuri ye Zimbabwe tibatsirane kununura mwana uyu plus vanenge vazivao kungawanika Mai vake muvaudze vatore mwana ,mwana angafa nekurohwa
Takamboedzao kutaurira mapurisa enzvimbo ye Glendale asi hapana chatati tanzwa chaitwa .
Thank you in advance .Hope muchatibatsirao tinunure mwana.Forward to other groups”

Zvionerei vhidiyo yacho

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here