Vaoni vepaitika nyaya iyi vauya kune ve punchstar entertainment vakapa humbowo Hwechiitiko chaitika muguta reharare pana cnr chinhoyi and and mandela Street nezuro (chishanu ne nguva dza 5pm)
Video iyi irikuonekwa mapurisa achitorera mukadzi uyu zvinhu zvake pa video iyi. Pa video parikuoneka mupurisa wechikadzi achitora zvinhu zvaitengeswa izvi uye anonzwika achitaura kuti “Handei siyai mwana uyo” apa amai ava vaine mwana Mucheche arikunzwika kuchema. Chirikunyanya Kushungurudza ndechekuti mapurisa aya asarudza kutora amai ava vachida kusiya mwana wavo pakati petaundi panofamba vanhu kudaro.Tomboti zvimwe vakanzi vasiire ma shamwari avo. Asi iwewe unobvuma here kusiyana mwana wako pavanhu mutown kana wasungwa?.
Mukadzi uyu anonzwika pa video achi chema chema kuti Haana kana mari ye bhazi Asi mukadzi wechipurisa uyu aratidza kutadza kuterera kuti mukadzi uyu ane mwana Mucheche arikusara paroad. Vamwe sisi ndivo vazosvika vakatora mwana uyu zvenharo ku endesa pama amai mavo. Mumwe we mapurisa aya anoonekwa akangotarisa asina zvaarikuita panyaya yacho.
Zvionerei vidhiyo yacho iyi
Vanoitao zvekutengesa vanogara vachikueudzirwa kuti vatengese zvinhu zvavo panzvimbo dzakakodzera kuitira kuti vachengetedze zvinhu zvavo uye nyika igare yakachena nekuzvichebgetedza ivo kudzivirira zviitiko zvakaita sezvizvi